Jobho 32:19-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. mukati mangu ndafanana newaini iri mubhodhoro rakadzivirwa, sehomwe itsva dzewaini dzoda kuparuka.

20. Ndinofanira kutaura kuti ndisununguke; ndinofanira kushamisa muromo wangu ndigopindura.

21. Handina munhu wandinofanira kutsaura, uye handingabati kumeso munhu upi zvake;

22. nokuti dai ndaiva nyanzvi yokubata kumeso, muiti wangu aizokurumidza kunditora.

Jobho 32