1. “Ndakaita sungano nameso angu kuti ndirege kutarisa musikana noruchiva.
2. Nokuti mugove womunhu unobva kumusoro kuna Mwari ndoweiko, iyo nhaka yake inobva kuna Wamasimba Ose?
3. Ko, hakuzi kuparadzwa kwavakaipa, nenjodzi kuna avo vanoita zvakaipa here?
4. Ko, iye haaoni nzira dzangu nokuverenga nhambwe dzangu dzose here?
5. “Kana ndichinge ndofamba nenzira yenhema kana tsoka dzangu dzamhanyira kunyengera,
6. Mwari ngaandiyere pachiyero chakatendeka uye achaziva kuti handina mhosva,
7. kana tsoka dzangu dzatsauka pagwara, kana mwoyo wangu ukatevera meso angu, kana dai maoko angu asvibiswa,
8. ipapo vamwe ngavadye zvandakadyara, uye mbesa dzangu ngadzidzurwe.
9. “Kana mwoyo wangu wakanyengerwa nomukadzi, kana dai ndaivandira pamusuo wewandigere naye,