Jobho 28:3-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Munhu anoita kuti rima ripere; anotsvakisisa kusvikira kumucheto chaiko, mhangura iri murima rakasviba kwazvo.

4. Anovhura mugodhi kure nokunogara vanhu, kunzvimbo dzakakanganikwa norutsoka rwomunhu; kure navanhu anorezuka ndokuzeya uku nokuku.

5. Iyo nyika, zvokudya zvichibva mairi, inoshandurwa nechapasi seinoshandurwa,

6. safiri inobva mumatombo ayo, uye guruva rayo rine upfu hwegoridhe,

7. Hakuna gondo rinoziva nzira iyo yakavanzika, hakuna ziso rorukodzi rakaiona.

8. Mhuka dzinozvikudza hadziisi rutsokapo, uye hakuna shumba inofambapo.

9. Ruoko rwomunhu runorova dombo romusarasara nokuisa midzi yamakomo pachena.

10. Anochera mugero nomumatombo; meso ake anoona pfuma yawo yose.

11. Anotsvakisisa panotangira nzizi nokubudisa zvinhu zvakavanzika pachena.

12. “Asi uchenjeri hungawanikwepiko? Kunzwisisa kunogarepiko?

13. Munhu haanzwisisi kukosha kwahwo; hahungawanikwi munyika yavapenyu.

14. Pakadzika panoti, ‘Hahuzi mandiri.’ gungwa rinoti, ‘Hahuzi pandiri.’

15. Hahungatengwi negoridhe yakaisvonaka, uye mutengo wahwo haungayerwi nesirivha.

16. Hahungatengwi negoridhe reOfiri, namatombo anokosha eonikisi kana esafire.

17. Hahungaenzaniswi negoridhe kana kristari, uye hahungatsinhaniswi nezvishongo zvegoridhe.

18. Korari nejasipa hazvingatongorehwi; mutengo wouchenjeri unokunda maparera.

19. Topazi yeEtiopia haingaenzaniswi nahwo; hahungatongotengwi negoridhe rakaisvonaka.

Jobho 28