1. “Mugodhi wesirivha uripo, nenzvimbo inonatswa goridhe.
2. Simbi inocherwa pasi, uye ndarira inonyautswa ichibva pamhangura.
3. Munhu anoita kuti rima ripere; anotsvakisisa kusvikira kumucheto chaiko, mhangura iri murima rakasviba kwazvo.
4. Anovhura mugodhi kure nokunogara vanhu, kunzvimbo dzakakanganikwa norutsoka rwomunhu; kure navanhu anorezuka ndokuzeya uku nokuku.
5. Iyo nyika, zvokudya zvichibva mairi, inoshandurwa nechapasi seinoshandurwa,
6. safiri inobva mumatombo ayo, uye guruva rayo rine upfu hwegoridhe,
7. Hakuna gondo rinoziva nzira iyo yakavanzika, hakuna ziso rorukodzi rakaiona.