Jobho 28:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. “Mugodhi wesirivha uripo, nenzvimbo inonatswa goridhe.

2. Simbi inocherwa pasi, uye ndarira inonyautswa ichibva pamhangura.

3. Munhu anoita kuti rima ripere; anotsvakisisa kusvikira kumucheto chaiko, mhangura iri murima rakasviba kwazvo.

4. Anovhura mugodhi kure nokunogara vanhu, kunzvimbo dzakakanganikwa norutsoka rwomunhu; kure navanhu anorezuka ndokuzeya uku nokuku.

Jobho 28