Jobho 27:2-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. “Zvirokwazvo naMwari mupenyu, iye akaramba kundiruramisira, iye Wamasimba Ose, akaita kuti ndinzwe shungu pamwoyo wangu,

3. sezvo ndichine upenyu mandiri, iko kufema kwaMwari mumhino dzangu,

4. miromo yangu haingatauri zvakashata, uye rurimi rwangu harungatauri nokunyengera.

5. Handingambobvumi kuti muri kutaura chokwadi; kusvikira ndafa, handizorambi kururama kwangu.

Jobho 27