Jobho 26:4-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Ndianiko akakubatsira kutaura mashoko aya? Uye mweya waaniko wakataura kubva pamuromo wako?

5. “Vakafa vari pakurwadziwa kukuru, ivo vari pasi pemvura zhinji navose vanogara mairi.

6. Rufu rwakashama pamberi paMwari; kuparadza hakuna kufukidza.

7. Anotambanudza matenga nechokumusoro panzvimbo isina chinhu; anorembedza nyika pasina chinhu.

8. Anoputira mvura zhinji mumakore ake; asi makore acho haabvaruki nokuda kwokuremerwa.

9. Anofukidza chiso chomwedzi uzere, achiwarira makore ake pamusoro pawo.

10. Anotara muganhu pamberi pemvura zhinji, kuti ugova muganhu pakati pechiedza nerima.

11. Mbiri dzokudenga dzinodengenyeka, dzichivhunduswa nokutuka kwake.

Jobho 26