Jobho 24:18-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. “Nyamba ivo ifuro riri pamusoro pemvura; mugove wavo wenyika wakatukwa, zvokuti hakuna munhu achaenda kuminda yemizambiringa.

19. Kupisa nokuoma sezvakunobvisa chando chanyauka, saizvozvo guva rinobvuta vaya vakatadza.

20. Chizvaro chinovakanganwa, honye inovadya; vanhu vakaipa havacharangarirwizve asi vakavhunwa somuti.

21. Ivo vanodya nyama yomukadzi asingabereki, uye havaitiri chirikadzi tsitsi.

22. Asi Mwari anokwekweredza vane simba nesimba rake; kunyange vakasimbiswa, havana chokwadi noupenyu hwavo.

23. Angavarega zvavo vakazorora vachifungidzira kuti vakachengetedzwa; asi meso ake ari panzira dzavo.

24. Vanokudzwa kwechinguva chiduku, gare gare vaenda; vanodukupiswa ndokuunganidzwa savamwe vose, vanochekwa sehura dzezviyo.

Jobho 24