Jobho 23:13-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. “Asi iye anomira ega, uye ndiani angapikisana naye? Iye anoita zvaanoda.

14. Anoita zvaakatema pamusoro pangu, uye urongwa huzhinji hwakadai achinahwo mudura rake.

15. Ndokusaka ndichitya pamberi pake; pandinofunga nezvose izvi, ndomutya.

16. Mwari akaita kuti mwoyo wangu uziye; Wamasimba Ose akandivhundutsa.

17. Kunyange zvakadaro rima harina kuita kuti ndinyarare, rima guru rakafukidza chiso changu.

Jobho 23