Jobho 22:6-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Wakakumbira rubatso kuhama dzako pasina; wakatorera vanhu nguo dzavo, uchivasiya vasina kupfeka.

7. Wakanyima mvura vasina simba uye wakanyima vane nzara zvokudya,

8. kunyange wakanga uri munhu ane simba, ane nyika yake, uri munhu anokudzwa, agere pairi.

9. Wakadzinga chirikadzi dzisina chinhu uye wakavhuna maoko enherera.

10. Ndokusaka misungo yakakukomberedza, sei kutambudzika pakarepo kuchivhundutsa,

11. sei kuine rima usingakwanisi kuona, uye sei mafashamu emvura achikufukidza.

12. “Ko, Mwari haazi kumusoro kwokudenga here? Uye anoona kukurira kwakaita nyeredzi dzokumusoro-soro!

13. Asi imi munoti, “Mwari anoziveiko? Ko, anotonga pakati perima rakadai here?

14. Makore matema anomufukidza, saka haationi sezvaanofamba-famba pakutenderera kwedenga.

15. Ko, iwe ucharambira munzira yakare iya yakatsikwa navanhu vakaipa here?

16. Ivo vakabvutwa nguva yavo isati yasvika, hwaro hwavo hwakakukurwa namafashamu.

17. Vakati kuna Mwari, ‘Tisiyei takadaro! Wamasimba Ose angaiteiko kwatiri?’

18. Asi ndiye akazadza dzimba dzavo nezvinhu zvakanaka, saka ndinomira kure namano avakaipa.

Jobho 22