Jobho 22:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ipapo Erifazi muTemani akapindura akati:

2. “Ko, munhu angabatsira Mwari here?

3. Wamasimba Ose angawana mufaro weiko dai iwe wakarurama? Aibatsirwa neiko dai nzira dzako dzaiva dzakarurama?

4. “Imhaka yokumutya kwako here zvaanokutsiura nokukupa mhosva?

5. Zvakaipa zvako hazvina kukura here? Handiti zvivi zvako hazviperi?

6. Wakakumbira rubatso kuhama dzako pasina; wakatorera vanhu nguo dzavo, uchivasiya vasina kupfeka.

7. Wakanyima mvura vasina simba uye wakanyima vane nzara zvokudya,

8. kunyange wakanga uri munhu ane simba, ane nyika yake, uri munhu anokudzwa, agere pairi.

9. Wakadzinga chirikadzi dzisina chinhu uye wakavhuna maoko enherera.

10. Ndokusaka misungo yakakukomberedza, sei kutambudzika pakarepo kuchivhundutsa,

Jobho 22