Jobho 21:20-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Meso ake pachake ngaaone kuparadzwa kwake; iye ngaanwe kutsamwa kwoWamasimba Ose.

21. Nokuti ane hanya yeiko nemhuri yaanosiya shure, mwedzi yaakagoverwa zvoyopera?

22. “Ko, pane munhu angagona kudzidzisa ruzivo kuna Mwari, sezvo iye achitonga kunyange vari pamusoro-soro here?

23. Mumwe munhu anofa achine simba rake rizere, akanyatsogadzikana

24. mapfupa ake azere nomwongo.

25. Mumwe munhu anofa ane shungu dzomwoyo, asina kumbonakidzwa nezvipi zvazvo zvakanaka.

26. Vanovata muguruva pamwe chete, uye honye dzinovafukidza vose.

27. “Ndinoziva chose zvamunofunga, iwo mano amunondikanganisa nawo.

28. Imi munoti, ‘Imba yomunhu mukuru iripiko zvino, iwo matende aigarwa navanhu vakaipa?’

29. Hauna kumbobvunza vafambi vaya here? Hauna kuva nehanya nokuzvidavirira kwavo here,

30. zvokuti munhu akaipa anodarikwa pazuva renjodzi, kuti anorwirwa pazuva rokutsamwa?

31. Ndianiko anotsoropodza mafambiro ake pachena? Ndianiko ano muripira pane zvaakaita?

Jobho 21