Jobho 21:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ipapo Jobho akapindura akati:

2. “Teereresai mashoko angu; uku ngakuve kunyaradza kwamunondipa.

3. Ndiitirei mwoyo murefu ndichitaura hangu, uye kana ndapedza kutaura, murambe muchiseka henyu.

4. “Ko, kunyunyuta kwangu kwakanangana navanhu here? Ndingatadza seiko kuora mwoyo?

5. Nditarirei mushamiswe; mufumbire muromo wenyu noruoko.

6. Ndinotya, pandinofunga izvi; kudedera kunobata muviri wangu.

Jobho 21