Jobho 20:5-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. kuti kufara kwavakaipa kupfupi, mufaro wavasina Mwari ndowenguva duku.

6. Kunyange kuzvikudza kwake kuchisvika kudenga, uye musoro wake uchindobata makore,

7. achaparara nokusingaperi, sendove yake pachake; vaya vakamuona vachati, ‘Aripiko?’

8. Anobhururuka sokurota, haachawanikwizve, adzingwa sechiratidzo chousiku.

9. Ziso rakamuona harichazomuonizve; nzvimbo yake haichazomutsvakizve.

10. Vana vake vanofanira kutsvaka nyasha kuvarombo; maoko ake chaiwo anofanira kudzorera pfuma yake.

11. Simba roujaya rakazadza mapfupa ake richaumburuka naye muguruva.

12. “Kunyange chakaipa chichitapira mumukanwa, uye achichiviga pasi porurimi rwake,

Jobho 20