5. kuti kufara kwavakaipa kupfupi, mufaro wavasina Mwari ndowenguva duku.
6. Kunyange kuzvikudza kwake kuchisvika kudenga, uye musoro wake uchindobata makore,
7. achaparara nokusingaperi, sendove yake pachake; vaya vakamuona vachati, ‘Aripiko?’
8. Anobhururuka sokurota, haachawanikwizve, adzingwa sechiratidzo chousiku.
9. Ziso rakamuona harichazomuonizve; nzvimbo yake haichazomutsvakizve.
10. Vana vake vanofanira kutsvaka nyasha kuvarombo; maoko ake chaiwo anofanira kudzorera pfuma yake.
11. Simba roujaya rakazadza mapfupa ake richaumburuka naye muguruva.
12. “Kunyange chakaipa chichitapira mumukanwa, uye achichiviga pasi porurimi rwake,