Jobho 20:26-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

26. rima guru richavandira pfuma yake. Moto usina kupfutidzwa uchamuparadza uye uchapedza zvakasara mutende rake.

27. Matenga achaisa pachena kuipa kwake; nyika ichamumukira.

28. Mafashamu achakukura imba yake, mvura zhinji inoerera pazuva rehasha dzaMwari.

29. Aya ndiwo magumo anogoverwa vakaipa naMwari, iyo nhaka yavakatemerwa naMwari.”

Jobho 20