14. asi chokudya chake chichashanduka chikavava mudumbu make; chichava uturu hwenyika mukati make.
15. Achapfira upfumi hwaakamedza; Mwari achaita kuti dumbu rake rizvirutse.
16. Achasveta uturu hwenyoka; rurimi rwemvumbi ruchamuuraya.
17. Haangafadzwi nehova, idzo nzizi dzinoyerera uchi noruomba.
18. Zvaakatamburira anofanira kuzvidzosazve zvisina kudyiwa; haangafadzwi nezvaakawana pakutengesa kwake.
19. Nokuti akamanikidza varombo akavasiya vava vachena; akatora dzimba dzaasina kuvaka.
20. “Zvirokwazvo haangamiri kubva pahavi yake; haangazviponesi nepfuma yake.
21. Hapana chaakasiyirwa kuti adye; upfumi hwake hahungagari nokusingaperi.
22. Pakati pezvakawanda zvake, nhamo ichamukunda; kuzara kwenjodzi kuchauya pamusoro pake.
23. Paanenge agutsa dumbu rake, Mwari achatuma kutsamwa kwake kunopisa pamusoro pake, uye achanayisa kurova kwake pamusoro pake.