Jobho 20:13-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. kunyange asingagoni kuchiregedza achichichengeta mumukanwa make,

14. asi chokudya chake chichashanduka chikavava mudumbu make; chichava uturu hwenyika mukati make.

15. Achapfira upfumi hwaakamedza; Mwari achaita kuti dumbu rake rizvirutse.

16. Achasveta uturu hwenyoka; rurimi rwemvumbi ruchamuuraya.

17. Haangafadzwi nehova, idzo nzizi dzinoyerera uchi noruomba.

18. Zvaakatamburira anofanira kuzvidzosazve zvisina kudyiwa; haangafadzwi nezvaakawana pakutengesa kwake.

19. Nokuti akamanikidza varombo akavasiya vava vachena; akatora dzimba dzaasina kuvaka.

Jobho 20