1. Ipapo Zofari muNaamati akapindura akati:
2. “Ndangariro dzangu dzokutambudzika dzinondikurumidzisa kuti ndipindure nokuti ndakanganisika kwazvo.
3. Ndiri kunzwa kutsiura kunondizvidza, uye kunzwisisa kwangu kunondikurudzira kuti ndipindure.
4. “Zvirokwazvo unoziva zvazvakanga zvakaita kubva kare, kubvira pakaiswa munhu panyika,
5. kuti kufara kwavakaipa kupfupi, mufaro wavasina Mwari ndowenguva duku.
6. Kunyange kuzvikudza kwake kuchisvika kudenga, uye musoro wake uchindobata makore,