6. zvino muzive imi kuti Mwari akandikanganisira uye akakundikomberedza nomumbure wake.
7. “Kunyange ndikachema ndichiti, ‘Ndakakanganisirwa we-e!’ handiwani mhinduro; kunyange ndikadanidzira kuti ndibatsirwe, kururamisirwa hakupo.
8. Akadzivira nzira yangu kuti ndikonewe kupfuura; akaisa rima munzira dzangu.
9. Akandibvisira kukudzwa kwangu, uye akabvisa korona mumusoro mangu.
10. Anondibvamburanya kumativi ose kusvikira ndapera; anodzura tariro yangu kunge muti,
11. Kutsamwa kwake kunopfuta pamusoro pangu; anondiverenga pakati pavavengi vake.