Jobho 19:5-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Kana zvechokwadi mungada henyu kuzvikudza pamusoro pangu mukashandisa kuripiswa kuri pamusoro pangu,

6. zvino muzive imi kuti Mwari akandikanganisira uye akakundikomberedza nomumbure wake.

7. “Kunyange ndikachema ndichiti, ‘Ndakakanganisirwa we-e!’ handiwani mhinduro; kunyange ndikadanidzira kuti ndibatsirwe, kururamisirwa hakupo.

8. Akadzivira nzira yangu kuti ndikonewe kupfuura; akaisa rima munzira dzangu.

9. Akandibvisira kukudzwa kwangu, uye akabvisa korona mumusoro mangu.

10. Anondibvamburanya kumativi ose kusvikira ndapera; anodzura tariro yangu kunge muti,

11. Kutsamwa kwake kunopfuta pamusoro pangu; anondiverenga pakati pavavengi vake.

12. Mauto ake anouya nesimba; anovaka muchinjiziri wokurwa neni, anokomba tende rangu.

13. “Akaisa hama dzangu kure neni; vazikani vangu vakaparadzaniswa neni zvachose.

14. Hama dzangu dzepedyo dzakaenda kure neni; shamwari dzangu dzandikanganwa.

15. Vaenzi vangu navarandakadzi vangu vava kundiita mubvakure; vanondiona somutorwa.

16. Ndinodana muranda wangu, asi haapinduri, kunyange ndikamunyengetedza nomuromo wangu chaiwo.

17. Kufema kwangu kunonyangadza kumukadzi wangu; ndinosemesa kuhama dzangu chaidzo.

18. Kunyange nezvikomana zviduku zvinondiseka; pandinosvika vanondituka.

19. Shamwari dzangu dzepedyo dzinondisema; vaya vandinoda vandishandukira.

20. Handisati ndichiri chinhu asi ndangova hangu ganda; ndangopunyuka namatadza amazino angu chete.

Jobho 19