1. Ipapo Jobho akapindura akati:
2. “Mucharamba muchinditambudza nokundipwanya namashoko kusvikira riiniko?
3. Zvino kava kagumi kose muchingonditsoropodza; munondirwisa musina nenyadzi dzose.
4. Kana chiri chokwadi kuti ndakatsauka, kukanganisa kwangu kuchagara neni ndoga.
5. Kana zvechokwadi mungada henyu kuzvikudza pamusoro pangu mukashandisa kuripiswa kuri pamusoro pangu,
6. zvino muzive imi kuti Mwari akandikanganisira uye akakundikomberedza nomumbure wake.
7. “Kunyange ndikachema ndichiti, ‘Ndakakanganisirwa we-e!’ handiwani mhinduro; kunyange ndikadanidzira kuti ndibatsirwe, kururamisirwa hakupo.