3. Tinotorerweiko semombe nokurangarirwa samapenzi pamberi penyu?
4. Iyemi munozvibvamburanya mukutsamwa kwenyu, ko, nyika ingasiyiwa nokuda kwenyu here? Kana matombo angafanira kubviswa panzvimbo yawo here?
5. “Mwenje wavakaipa unodzimwa; murazvo womoto wake unopera kupisa.
6. Chiedza chiri mutende rake chinova rima; mwenje uri parutivi rwake unodzima.
7. Simba renhambwe dzake rinorukutika; mano ake pachake anomuwisira pasi.
8. Tsoka dzake dzinomuwisira mumumbure, uye anodzungaira ari mumaburi awo.