Jobho 18:17-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Kurangarirwa kwake kunopera panyika; haana zita munyika.

18. Anobviswa pachiedza achiendeswa murima, uye anodzingwa panyika.

19. Haana mwana kana chizvarwa chinotevera pakati pavanhu vokwake, hakuna akasara kwaaimbogara.

20. Vanhu vokumavirira vakakatyamara namagumo ake; vanhu vokumabvazuva vakabatwa nokutya.

21. Zvirokwazvo, ndizvo zvakaita ugaro hwomunhu akaipa; iyoyi ndiyo nzvimbo yomunhu asingazivi Mwari.”

Jobho 18