1. Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati:
2. “Muchapedza kutaura uku riiniko? Chimbofungai, ipapo tigotaurirana hedu.
3. Tinotorerweiko semombe nokurangarirwa samapenzi pamberi penyu?
4. Iyemi munozvibvamburanya mukutsamwa kwenyu, ko, nyika ingasiyiwa nokuda kwenyu here? Kana matombo angafanira kubviswa panzvimbo yawo here?
5. “Mwenje wavakaipa unodzimwa; murazvo womoto wake unopera kupisa.
6. Chiedza chiri mutende rake chinova rima; mwenje uri parutivi rwake unodzima.
7. Simba renhambwe dzake rinorukutika; mano ake pachake anomuwisira pasi.