5. Kana munhu akaramba shamwari dzake nokuda kwomubayiro, meso avana vake achaneta.
6. “Mwari akandiita shumo kuvanhu vose, munhu anopfirwa mate kumeso kwake navanhu.
7. Meso angu aneta nokuchema; muviri wangu wose wangova mumvuri zvawo.
8. Vanhu vakarurama vanokatyamadzwa nazvo; vasina mhaka vachamukira vasingadi Mwari.