Jobho 17:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mweya wangu waputsika, mazuva angu aitwa mashoma, guva rakandimirira.

2. Zvirokwazvo vaseki vakandipoteredza; meso angu anofanira kuramba akatarisa kutsamwa kwavo.

3. “Ndipei, imi Mwari chitsidzo chamunoda. Ndianiko achandiisira rubatso?

4. Makapofumadza ndangariro dzavo pakunzwisisa; naizvozvo hamungavatenderi kukunda.

5. Kana munhu akaramba shamwari dzake nokuda kwomubayiro, meso avana vake achaneta.

6. “Mwari akandiita shumo kuvanhu vose, munhu anopfirwa mate kumeso kwake navanhu.

7. Meso angu aneta nokuchema; muviri wangu wose wangova mumvuri zvawo.

8. Vanhu vakarurama vanokatyamadzwa nazvo; vasina mhaka vachamukira vasingadi Mwari.

Jobho 17