1. Mweya wangu waputsika, mazuva angu aitwa mashoma, guva rakandimirira.
2. Zvirokwazvo vaseki vakandipoteredza; meso angu anofanira kuramba akatarisa kutsamwa kwavo.
3. “Ndipei, imi Mwari chitsidzo chamunoda. Ndianiko achandiisira rubatso?
4. Makapofumadza ndangariro dzavo pakunzwisisa; naizvozvo hamungavatenderi kukunda.
5. Kana munhu akaramba shamwari dzake nokuda kwomubayiro, meso avana vake achaneta.