11. Mwari akandidzorera mumaoko avanhu vakaipa, uye akandikanda mumaoko avakashata.
12. Zvose zvakanga zvakanaka hazvo kwandiri, asi iye akandivhuna; akandibata napahuro akandipwanya-pwanya. Akandivavarira;
13. vapfuri vake vemiseve vakandikomba. Anobaya itsvo dzangu asina tsitsi, uye anodururira nduru yangu pasi.
14. Nguva nenguva anondirwisa; anomhanyira kwandiri somurwi.
15. “Ndasonera ganda rangu nguo dzamasaga, uye ndaviga huma yangu muguruva.
16. Chiso changu chatsvuka nokuchema, rima guru rakomberedza meso angu;
17. asi zvazvo maoko angu haadi kuita chisimba, uye munyengetero wangu wakachena.
18. “Iwe nyika, rega kufukidza ropa rangu; kuchema kwangu ngakurege kuwana zororo!
19. Kunyange iko zvino chapupu changu chiri kudenga; murevereri wangu ari kumusoro.
20. Murevereri wangu ndiye shamwari yangu, meso angu paanodurura misodzi kuna Mwari;
21. anomira pachinzvimbo chomunhu achikumbira kuna Mwari, somunhu anokumbirira shamwari yake.
22. “Makore mashoma bedzi achapfuura, ndisati ndaenda parwendo rusingadzokwi.