Jobho 16:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ipapo Jobho akapindura akati:

2. “Ndakanzwa zvinhu zvakawanda sezvizvi; mose muri vanyaradzi pasina!

3. Ko, kutaura kwenyu kwamadzokorora kwenguva refu hakuperiwo here? Chii chinokurwadzai kuti murambe muchiita nharo?

4. Neniwo ndaigona kutaura semi, dai imi manga muri panzvimbo yangu; Ndaigona kutaura mashoko okukupikisai nokukudzungudzirai musoro wangu.

5. Asi muromo wangu waizokukurudzirai: kunyaradza kunobva pamuromo wangu kwaizokuvigirai zororo.

6. “Asi kana ndikatura, kurwadziwa kwangu hakuperi; uye kana ndikataura, iko hakubvi.

7. Zvirokwazvo, imi Mwari, mandipedza simba; maparadza imba yangu yose.

8. Makandisunga ini, uye zvava chapupu; kuonda kunondimukira uye kunondipupurira zvakaipa.

9. Mwari anondirova nokundibvambura mukutsamwa kwake, uye anondirumanyira meno ake; mudzivisi wangu anondidzvokorera meso ake anobaya.

10. Vanhu vanoshamisa miromo yavo kuti vandiseke; vanondirova padama pakundimhura kwavo, uye vanobatana pamwe chete kuzondirwisa.

11. Mwari akandidzorera mumaoko avanhu vakaipa, uye akandikanda mumaoko avakashata.

12. Zvose zvakanga zvakanaka hazvo kwandiri, asi iye akandivhuna; akandibata napahuro akandipwanya-pwanya. Akandivavarira;

Jobho 16