Jobho 15:4-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Asi munotorwisa kururuma uye munodzivisa kunamata Mwari.

5. Chivi chako chinorunzira muromo wako; uye unotevera rurimi rwavanyengeri.

6. Muromo wako pachako ndiwo unokupa mhosva, kwete wangu, miromo yako pachako inokupupurira zvakaipa.

7. “Ko, ndiwe munhu wakatanga kuzvarwa here? Ko, iwe wakazvarwa makomo asati avapo here?

8. Unoteererawo here panokurukurwa mazano aMwari? Unoti uchenjeri ndohwako woga kanhi?

Jobho 15