18. zvakataurwa navanhu vakachenjera, vasingavanzi chinhu chavakagamuchira kubva kumadzibaba avo,
19. ivo voga vakapiwa nyika pasina mutorwa akapfuura napakati pavo:
20. Munhu akaipa anotambudzika nokurwadziwa pamazuva ake ose, makore ose outsinye akachengeterwa iye.
21. Maungira anotyisa anozadza nzeve dzake; pazvinenge zvaita sezvakanaka, udyi hunomurwisa.
22. Anorasikirwa netariro yokupunyuka parima; munondo ndiwo waakatarirwa.
23. Anofamba-famba achitsvaka zvokudya zvamagora; anoziva kuti zuva rerima raswedera.
24. Kutambudzika nokurwadziwa zvinomuzadza nokutya; zvinomukunda, samambo amirira kurwisa,
25. nokuti anokungira Mwari chibhakera chake nokuzvikudza pamusoro paWamasimba Ose,
26. achimhanyira kwaari achimuzvidza ane nhoo hobvu, yakasimba.
27. “Kunyange chiso chake chakafukidzwa namafuta uye chiuno chake chakafuta nenyama,