Jobho 15:16-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. ko, kuzoti munhu, anosemesa uye akaora, anonwa zvakaipa semvura!

17. “Nditeerere ndigokutsanangurira; rega ndikuudze zvandakaona,

18. zvakataurwa navanhu vakachenjera, vasingavanzi chinhu chavakagamuchira kubva kumadzibaba avo,

19. ivo voga vakapiwa nyika pasina mutorwa akapfuura napakati pavo:

20. Munhu akaipa anotambudzika nokurwadziwa pamazuva ake ose, makore ose outsinye akachengeterwa iye.

21. Maungira anotyisa anozadza nzeve dzake; pazvinenge zvaita sezvakanaka, udyi hunomurwisa.

Jobho 15