15. Kana Mwari akasavimba navatsvene vake, kunyange dai matenga akasava akachena pamberi pake,
16. ko, kuzoti munhu, anosemesa uye akaora, anonwa zvakaipa semvura!
17. “Nditeerere ndigokutsanangurira; rega ndikuudze zvandakaona,
18. zvakataurwa navanhu vakachenjera, vasingavanzi chinhu chavakagamuchira kubva kumadzibaba avo,
19. ivo voga vakapiwa nyika pasina mutorwa akapfuura napakati pavo:
20. Munhu akaipa anotambudzika nokurwadziwa pamazuva ake ose, makore ose outsinye akachengeterwa iye.