Jobho 15:12-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Ko, mwoyo wako wakurasireiko. uye meso ako, anobwairireiko,

13. zvokuti unoitira Mwari hasha ugobudisa mashoko akadai kubva mumuromo mako?

14. “Munhu chiiko, zvokuti angava akanaka, kana munhu akazvarwa nomukadzi, kuti ave akarurama?

15. Kana Mwari akasavimba navatsvene vake, kunyange dai matenga akasava akachena pamberi pake,

16. ko, kuzoti munhu, anosemesa uye akaora, anonwa zvakaipa semvura!

17. “Nditeerere ndigokutsanangurira; rega ndikuudze zvandakaona,

18. zvakataurwa navanhu vakachenjera, vasingavanzi chinhu chavakagamuchira kubva kumadzibaba avo,

19. ivo voga vakapiwa nyika pasina mutorwa akapfuura napakati pavo:

20. Munhu akaipa anotambudzika nokurwadziwa pamazuva ake ose, makore ose outsinye akachengeterwa iye.

21. Maungira anotyisa anozadza nzeve dzake; pazvinenge zvaita sezvakanaka, udyi hunomurwisa.

22. Anorasikirwa netariro yokupunyuka parima; munondo ndiwo waakatarirwa.

23. Anofamba-famba achitsvaka zvokudya zvamagora; anoziva kuti zuva rerima raswedera.

24. Kutambudzika nokurwadziwa zvinomuzadza nokutya; zvinomukunda, samambo amirira kurwisa,

25. nokuti anokungira Mwari chibhakera chake nokuzvikudza pamusoro paWamasimba Ose,

26. achimhanyira kwaari achimuzvidza ane nhoo hobvu, yakasimba.

27. “Kunyange chiso chake chakafukidzwa namafuta uye chiuno chake chakafuta nenyama,

28. iye achagara mumaguta akaparadzwa nomudzimba dzisingagarwi nomunhu, dzimba dzokoromoka kuva marara.

29. Haachazovizve mupfumi uye pfuma yake haingagari, kana nepfuma yake haingazadzi nyika.

Jobho 15