Jobho 14:6-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Naizvozvo regai kumutarisa uye musiye ari oga, kusvikira apedza nguva yake somunhu anoshanda.

7. “Asi kumuti kune tariro: Kana ukatemwa, unobukirazve, uye mabukira awo matsva haasvavi.

8. Midzi yawo ingava yakwegura hayo muvhu nehunde yawo yafa muvhu,

9. asi uchabukira pakunhuwira kwemvura ugobudisa matavi somuti uchangomera.

10. Asi munhu anofa agoradzikwa pasi; anofema kokupedzisira uye haazovipozve.

11. Sokupera kunoita mvura mugungwa, kana kupwa nokuoma kworwizi,

12. saizvozvo munhu anovata pasi asingazomuki; kusvikira matenga asisikozve, vanhu havazomukizve kana kumutswa pakuvata kwavo.

13. “Haiwa, dai mandiviga henyu muguva chete, uye mandiviga kusvikira kutsamwa kwenyu kwapfuura! Dai chete manditarira nguva, uye ipapo mugondirangarira!

Jobho 14