Jobho 12:22-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

22. Iye anobudisa pachena zvinhu zvakadzama zverima, uye anouyisa mimvuri mikuru kuchiedza.

23. Iye anokurisa ndudzi, uye anodziparadza; anowanza ndudzi, anodziparadzira.

24. Anotorera vatungamiriri venyika kunzwisisa kwavo; anovaendesa vachingodzungaira pasina nzira.

25. Vanotsvanzvadzira murima vasina chiedza; anoita kuti vadzedzereke sezvidhakwa.

Jobho 12