Jobho 12:2-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. “Zvirokwazvo imi muri vanhu, uye kungwara kuchafa nemi!

3. Asi neni ndinonzwisisa semi; handisi muduku kwamuri. Ndianiko asingazivi zvinhu zvose izvi?

4. “Ndava chiseko kushamwari dzangu, kunyange ndakadana kuna Mwari akapindura, ndava chiseko zvacho, kunyange ndakarurama uye ndisina chandingapomerwa!

5. Vanhu vagere zvakanaka vanoshora vane nhamo, vachiti ndiwo magumo avaya vane tsoka dzinotedzemuka.

6. Matende amakororo haakanganiswe, uye vaya vanotsamwisa Mwari vagere zvakanaka, ivo vanotakura vamwari vavo mumaoko avo.

7. “Asi bvunzai mhuka, uye dzichakudzidzisai, kana shiri dzedenga, idzo dzichakuudzai;

8. kana taurai kunyika, ichakudzidzisai, kana hove dzegungwa ngadzikuzivisei.

9. Ndechipiko pane zvose izvi chisingazivi kuti ruoko rwaJehovha rwakaita izvi?

Jobho 12