Jobho 11:6-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. uye akuzarurire zvakavanzika zvouchenjeri, nokuti uchenjeri hwechokwadi huri paviri Uzive izvi: Mwari akatokanganwa kare zvimwe zvivi zvako.

7. “Ko, unganzwisisa zvakavanzika zvaMwari here?

8. Zvakakwirira kupfuura matenga, iwe ungaiteiko? Zvakadzika kupfuura kudzika kwebwiro, iwe ungaziveiko?

9. Chiero chazvo chakareba kupfuura nyika uye zvakapamhamha kupfuura gungwa.

10. “Kana iye akasvika akakupfigira mujeri uye akakoka dare remhosva, ndianiko angapikisana naye?

Jobho 11