4. Iwe unoti kuna Mwari, ‘Zvandinotenda zvakarurama uye ndakachena pamberi penyu.’
5. Haiwa, ndinoda sei kuti dai Mwari ataura, kuti dai ashamisa hake muromo wake pamusoro pako,
6. uye akuzarurire zvakavanzika zvouchenjeri, nokuti uchenjeri hwechokwadi huri paviri Uzive izvi: Mwari akatokanganwa kare zvimwe zvivi zvako.
7. “Ko, unganzwisisa zvakavanzika zvaMwari here?
8. Zvakakwirira kupfuura matenga, iwe ungaiteiko? Zvakadzika kupfuura kudzika kwebwiro, iwe ungaziveiko?
9. Chiero chazvo chakareba kupfuura nyika uye zvakapamhamha kupfuura gungwa.