1. Ipapo Zofari muNaamati akapindura akati:
2. “Mashoko aya ose haangapindurwi here? Ko, mutauri uyu anofanira kururamisirwa here?
3. Ko, kubvotomoka kwako kunganyaradza vanhu here? Ko, pangashaya anokutsiura paunenge uchihomera here?
4. Iwe unoti kuna Mwari, ‘Zvandinotenda zvakarurama uye ndakachena pamberi penyu.’
5. Haiwa, ndinoda sei kuti dai Mwari ataura, kuti dai ashamisa hake muromo wake pamusoro pako,