Jeremia 9:4-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. “Chenjererai shamwari dzenyu; musavimba nehama dzenyu. Nokuti hama ipi neipi inonyengera, uye shamwari ipi neipi inoita makuhwa.

5. Shamwari inonyengera shamwari, uye hakuna anotaura chokwadi. Vakadzidzisa ndimi dzavo kureva nhema; vanozvinetsa nokuita zvakaipa.

6. Munogara pakati pounyengeri; mukunyengera kwavo vanoramba kundiziva ini,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

Jeremia 9