6. kana mukasamanikidza vatorwa, nenherera kana chirikadzi uye mukasateura ropa risina mhosva panzvimbo ino, uye kana mukasatevera vamwe vamwari muchizvipinza munjodzi,
7. ipapo ndichakugarisai munzvimbo ino, munyika yandakapa madzitateguru enyu nokusingaperi-peri.
8. Asi tarirai, munovimba namashoko okunyengera asina maturo.
9. “Mungaba nokuuraya, nokuita upombwe nokupika nhema, muchipisira zvinonhuwira kuna Bhaari nokutevera vamwe vamwari vamusina kumboziva,