Jeremia 6:3-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Vafudzi namapoka amakwai avo vachauya kwaari; vachadzika matende avo vakamukomba, mumwe nomumwe achifudza chikamu chake.”

4. Gadzirirai kurwa naye! Simukai, ngatimurwisei masikati! “Asi, yowe-e, zuva rovira, uye mimvuri yamadekwana yoreba.

5. Naizvozvo simukai, ngatimurwisei usiku, uye tiparadze nhare dzake!”

6. Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Temerai miti pasi, mugovakira Jerusarema mirwi yokurikomba. Guta iri rinofanira kurangwa; rizere nokumanikidza.

7. Setsime rinoeredza mvura yaro, saizvozvo Jerusarema rinodurura zvakaipa zvaro. Kuita nechisimba nokuparadza zvinonzwika mariri, kurwara kwaro namavanga zvinoramba zviri pamberi pangu.

8. Inzwa yambiro, iwe Jerusarema, kuti ndisakufuratira ndikaita nyika yako dongo, kuti isava nomunhu angagara mairi.”

Jeremia 6