12. Dzimba dzavo dzichapiwa vamwe, vakadzi vavo pamwe chete neminda yavo navakadzi vavo, pandichatambanudza ruoko rwangu pamusoro pavagere panyika,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
13. “Kubva kumudiki kusvikira kuvakuru, vose vanokarira pfuma; vaprofita navaprista zvimwe chetezvo, vose vanoita zvokunyengera.
14. Vanosunga ronda ravanhu vangu sokunge vasina kukuvara zvikuru. Vanoti, ‘Rugare, rugare,’ ipo pasina rugare.
15. Ko, vanonyadziswa nokusemesa kwamafambiro avo here? Kwete, havana nyadzi zvachose; havambozivi kuratidza nyadzi. Naizvozvo vachawira pakati pavakawa; vachadzikiswa pandichavaranga,” Ndizvo zvinotaura Jehovha.