3. Naizvozvo wakanyimwa mvura inopfunha, uye nemvura yomuchirimo haina kunaya.
4. Ko, handiti uchangobva pakundidana here uchiti, “Baba vangu, shamwari yangu kubva pauduku hwangu,
5. muchagara makatsamwa here? Kutsamwa kwenyu kucharamba kuripo nokusingaperi here?’ Aya ndiwo matauriro ako, asi unoita zvakaipa zvose zvaunogona kuita.
6. Panguva yokutonga kwaMambo Josia, Jehovha akati kwandiri, “Waona here zvaitwa naIsraeri wokusatendeka? Ari kuenda pamusoro pezvikomo zvose zvakakwirira nepasi pemiti yose yakapfumvutira achindoita ufevepo.
7. Ndakafunga kuti mushure mokuita kwake izvi zvose, achadzokera kwandiri asi iye haana, uye munun'una wake Judha wokusatendeka akazviona.
8. Ndakapa Israeri wokusatendeka tsamba yokurambana ndikamudzinga nokuda kwoufeve hwake. Kunyange zvakadaro ndakaona kuti Judha munun'una wake wokusatenda haatyi; naiyewo akabuda akandoita ufeve.
9. Nokuti ufeve hwaIsraeri hahuna zvahwakareva kwaari, akasvibisa nyika nokufeva namabwe namatanda.