Jeremia 29:4-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, kuna vose vandakaendesa muutapwa kuBhabhironi vachibva kuJerusarema,

5. “Zvivakirei dzimba mugare; murime mapindu mugodya zvibereko zvawo.

6. Wananai mugova navanakomana navanasikana; tsvakirai vanakomana venyu vakadzi uye muwanise vanasikana venyu, kuti naivowo vave navanakomana navanasikana. Muwande ikoko; musadzikira pakuwanda.

7. Uyezve, mutsvake rugare nokubudirira kweguta randakakuendesai kuutapwa. Murinyengeterere kuna Jehovha, nokuti kana rikabudirira, nemiwo muchabudirira.”

8. Nokuti, zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, “Musarega vaprofita navavuki vari pakati penyu vachikunyengerai. Musateerera kurota kwamunovakurudzira kuti varote.

9. Vanokuprofiterai nhema muzita rangu. Handina kuvatuma,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

10. Nokuti zvanzi naJehovha, “Panopera makore makumi manomwe eBhabhironi, ndichauyazve kwamuri ndigozadzisa zvakanaka zvandakavimbisa kuti ndichakudzoserai kunzvimbo ino.

11. Nokuti ndinoziva urongwa hwandinahwo pamusoro penyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “urongwa hwokuti mubudirire, kwete kukuitirai zvakaipa, urongwa hunokupai tariro neramangwana rakanaka.

12. Ipapo muchadana kwandiri uye muchauya kuzonyengetera kwandiri, neni ndichakunzwai.

13. Muchanditsvaka mukandiwana, pamunonditsvaka nemwoyo yenyu yose.

14. Ndichawanikwa nemi,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye ndichakudzosai kubva muutapwa. Ndichakuunganidzai kubva kundudzi dzose nokunzvimbo dzandakanga ndakudzingirai,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye ndichakudzoseraizve kunzvimbo yandakanga ndakubudisai ndichikuendesai muutapwa.”

Jeremia 29