Jakobho 5:18-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. Uyezve, akanyengetera, uye denga rikanayisa mvura, uye nyika ikabereka zvibereko zvayo.

19. Hama dzangu, kana mumwe wenyu akatsauka kubva pachokwadi uye mumwe akamudzora,

20. murangarire izvi kuti: Ani naani anodzora mutadzi kubva panzira yokudarika kwake, achamuponesa kubva parufu uye achafukidza zvivi zvizhinji.

Jakobho 5