Isaya 65:9-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Ndichabudisa marudzi kuna Jakobho, uye kubva kuna Judha avo vachatora makomo angu; vasanangurwa vangu vachagara nhaka, uye varanda vangu vachagara ikoko.

10. Sharoni richava mafuro amakwai, uye Mupata weAkori uchava uvato hwemombe dzavanhu vangu vanonditsvaka.

11. “Asi kana murimi munosiya Jehovha uye munokanganwa gomo rangu dzvene, munowaridzira Rombo Rakanaka tafura, uye munozadza zvirongo newaini yakavenganisirwa Magumo,

Isaya 65