Isaya 34:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Swederai pedyo, imi marudzi avanhu, munzwe. Teererai, imi vanhu! Nyika ngainzwe, nezvose zviri mairi, pasi pose, nezvose zvinobudamo!

2. Jehovha akatsamwira marudzi ose; hasha dzake dziri pamusoro pehondo dzavo dzose. Iye achavaparadza chose, achaita kuti vaurayiwe.

3. Vakaurayiwa vavo vacharasirwa kunze, mitumbi yavo ichanhuhwa; makomo achanyorova neropa ravo.

Isaya 34