Isaya 30:32-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

32. Shamhu yoga yoga yavacharohwa nayo naJehovha netsvimbo yake yokuranga, ichaenderana nerwiyo rwamakandira norudimbwa, paacharwa navo muhondo noruoko rwake.

33. Tofeti yakanguri yagadzirira; yakagadzirirwa kare kugamuchira mambo. Gomba rayo romoto rakadzikiswa rikapamhamiswa, uye pane moto wakawanda nehuni zhinji; kufema kwaJehovha, sorukova runopfuta nesafuri, kuchazvitungidza.

Isaya 30